Kubloka Kwandakaiita Umwe Musikana Wemuraini Repaseri Pa WhatsApp

Kubloka Kwandakaiita Umwe Musikana Wemuraini Repaseri Pa WhatsApp

Ndainge ndapindawo mune rimwe group remangoma so pa WhatsApp.Fast forward umwe mwanasikana ndobva apa comment mu Grp riya kuti anogara kuRuwa.

Ndakabva ndanzwa kufara chaizvo ndikati aarg ndawana homey, ndini uyo pfee ku Inbox ndobva ndamuti Hi.

Akapindura zvakanaka naka mwana uya and she was so friendly tichitoseka paya.Nyaya ndobva dzatanga kutsva and anga akanaka sei mwana iyeye.Ndotype yemusikana wekuti kana uchifamba naye mutown vanhu vese vanenge vachikunzwira godo.

Then akabva atanga kundivhunza kuti sei tisingazivane or sei ndisingakuzive.Ndobva ndamuti handisi that type yemunhu anonyanya kufamba famba stereki, ndogara ndiri indoor mumba nditori ka strong introvert.Zvikanzi "hoo okay yaa that's why".

Then we exchanged ma pics ezviso zvedu paya and she commented my pics.Ndobva ati "ende wakanaka" ini ndobva ndatanga kunyaririra paye ndichiisa twuma Emojis.

So we talked zve 2 days chete then the third day ndakazongoona ndablokwa.Handizive kuti ndanga ndablokerwei apa ndanga ndisina kana kumbomukandira Cv.

Ndaingoita twuma friendly gestures anyway ndobva ndangotiwo hameno but ndakarwadziwa.Ndakangoona ndisisaone status yake profile pic zvese ndobva ndaziva kuti ma1 atanga.

So mazuva akabva afamba after a month or so, then someone commented mugrp riya kuti ndiye Tudzaa uya anoswera kuti nyaudza ku Twitter ne Facebook. Nechemumoyo l was like ndoipiko iyi vakuita blow my cover vanhu ava coz handidi kuzivikanwa.

That same-day ndakaona ka message kakupinda. Kachibva kumusikana uya wemuraini rekuseri achiti "hiii l'm sorry shaa l don't know what came over me l didn't know kuti ndiwe tudzaa wacho". Ndobva atondipa mahandles ake achiti ariko ku Twitter ne Facebook ikoko.

Nechemumoyo ndobva ndangoti uyu ndomuyedzo.Ndobva ndamuti aiwa handisi tudzaa ini handitozivewo chinhu chinonzi Twitter ne Facebook ini handiko ikoko dzanga dziri fake news.

Ndobva ndamubloka...