Mazuva andaivhura hombe kuchikoro 1

Mazuva andaivhura hombe kuchikoro 1

Ndaive hangu form 6 pa Chipadze High School mugore ra2003 ndanga ndichangosvitsa makore gumi nepfumbamwe(19), ndirimuma Arts ndichiita Lits, History NeGeography. Mamwe masubjects ese aya taiva nevadzidzisi vechirume kunze kwe one kainge kakavengwa nevana vese kainzi ELCS kanakuti Comunication Skills kaitwa once a week. Kasubject aka ndiko kaiita kuti ndisade chikoro zvachose. 

Ndaizivikanwa nenyaya yekutya vasikana or lets just say ndainge ndisati ndambopinda murelationship. Rimwe zuva ndakagara hangu neche kumashure ndisingade zvekudzidza ELCS iyi. Mudzidzisi akapinda muclass achiratidza kushunguridzika. Munhu akanaka kana asina mufaro anonyatsooneka nekuti zvainge zvakaita chiso chavo kunge chemunhu ane 90years dzokuberekwa. Medhemu vakangotipa kahomework vachiti this week vari busy.

Isu ana Mcdonald Lolupe iri ndiro raive zita rangu, takati rega tivatevere kubaseroom kwavo tinonzwa kuti chii chainge chaitika kumudzidzisi wedu. Zita remudzidzisi wedu rainzi Miss Njoro vainge vakaroorwa havo asi vaifarira zita rekumbakwavo. Zvaingotipa madoubt kuti maybe pamwe havasi happily married.

07 March 2003 musi uyu handiukanganwe, ndopandakatanga kubhilivha kuti anything is really possible. Ndakasvika Miss Njoro varipa phone vachiita kupopota "Shuwa haangaunze umwe mukadzi pamubhedha watakatenga tese, kana dai aisandida dai akataura kare ndakagara kumba
kwedu".

Ndakabva ndaziva kuti murume wamadame uyu aiita zvemagirlfriends so 
anga aka manikidzwa kuroora madame ava. I was shocked, surprised, jubilated kkkkk ayas but ndakaziva kuti tasanganiswa for a reason. Vakapedza kutaura parunhare ndakamirira, nechemumoyo ndaiti zvangu zvaita asi chiso changu chakange chovanzwira tsitsi semunhu wandaida nemwoyo wese uye wandai respector. 

"Ko chii nhai medhemu", ndichivavhunza hangu. Vakabva vatanga kuchema ndokundimbundira. Ndakanzwa ropa rangu kumhanya mhanya ndakaita sokunge ndarohwa nemagetsi. Zviye zvekuti ndiri student takamboisa paside. Vakabva vamhanya kunokiya door nekuvhara mawindow. 


To be continued