Ndasangana netwufoni twangu twekare

Ndasangana netwufoni twangu twekare

Nhasi was going through my old stuff ndikasangana netwumafoni twandakamboshandisa yaa ndabva kure twondifungidza kare. Ndikati regai nditore pic ndikuratidzei ha ha. 

Ka Nokia 5130 Xpress Music ako kaitoresa mabhebhi. Vaiita kuscreamer ukaonekwa unako. Apa kaiita kubaka baka kuside. 

Ka Nokia X2 ndokandakatanga kupindisa napo pa WhatsApp. Ndakambochovha nako ndokandakavhurisa twitter account yangu yandiri kushandisa parezvino yakanzi tudzaa. 

Ka G -Tide ako vakazama kukopera Nokia 5130 Xpress music apa kakati kanga kane noise. 

Ka Samsung J700 ako kaindinakidza kuflipper flipper kanga kane bling bling. 

Kwozoita utwo two ka itel ne yakanzi forme ndaitwudira kuti twaipinda ma line 2. Then neako kekunzwisa music ndoyaive radio yangu. 

Yaa ndabva kure twumwe twumafoni hatwupo pa pic ndikushaya kuti twuripi mumba imomu. Ka Samsung E250, Nokia Asha 201 nekamwe kazhingzhong so. Ndikatwuwana will update you ha ha.