Kuvharwa Kwandakaitwa Nezama kuHigh School

Zuva randisingakanganwi

Kuvharwa Kwandakaitwa Nezama kuHigh School

Zvinhu zvekuweka weka zvaive zvakandiomera ma days aya.Kana nanhasi handidi kuzviona. Hazvisi zvekutamba nazvo kana kudherera. Pese pandinoona pachitaurwa zve maths or ma calculations ndinototiza. I regret sometimes.

Anyway back to nyaya so yanga iri second term tava towards ma exams ndaive form 4 ipapo. Saka yaitongova busy busy kuverenga nekuweka weka nekuita ma final touches. Zvanga zvakandiwandira ndaive type iya yainonoka kubata zvinhu so panga pakaipa ma laggards chaiwo.

Nguva yakafamba tasarwa ne one week kuti tichitanga mazama. Ndione mumusoro hamuna kana chinhu ma formulas chii chii can't get zvaiita, kuramba kupinda mumusoro worse ma calculations haa ndaiona horror ini. Apa ndoranga riri zama riri kutanga kunyorwa the first paper kaa.

Week iroro ndakatanga kuita ma calculations kuweka weka kana misodzi yakabuda week iroro. Ndichiti chandakambozvitangira chiiko zvechikoro izvi. Manheru aye ndarara ndava mumagumbeze ndobva ndatanga kuchema hangu. Ndichiti term ino ndazofoira kumba ndichaitwasei.

Fast forward musi wezama ndobva wasvika.Tamu exam room paya, ndakati ndichiti ba kutarisa test paper hana yakati pangu. Ipapo ndakabva ndati midzimu yandirasha. Hamawee uku maziso ainge atsvuka kuti piriviri semhiripiri.

Ndakatomboita ka prayer ndikafunga kuti pamwe ma formulas angadzoke mumusoro. Hapana kana one mudumbu ndobva mati cruuuuu kurirara makatanga kurwadza ndanga ndakutonzwa manyoka chaiwo. Ndobva ndasimudza ruoko ndikati dakubaya ku recess.

Ndakadzoka kubva kurecess ndabva ndadzokera paka desk kangu kaya ndakushaiwa plan kuti ndodii. Then ndobva ndatarisa ma sides ese checking on my classmates kaa ndichiti pamwe ndingawane kukopera kaa.

Vanga vakaita kuvhara work yavo zvavainyora zvekuti hapana kana one munhu chawaiona. Ndakatanga kudikitira. Ndikati plan ndeipi ndobva ndatanga kunyora ma questions aya anga ari mu question paper sezvaari. Ndakangokopera word to word zvese.Ko ndaigodii amana ndaitongoda kaa kuti nguva dzifambe ndiite kunge ndiri kunyora something.

Ndakatombofunga kuda kungobuda kaa ndobva ndaregedza kudzoka.But ha ndakangoshingirira. 2 hours dze exam dziya ndobva dzapera. Mapepa ndobva atakurwa kunomakwa hawo.

Tabuda muzama paya ndakaona vamwe vachifara. Zvavainge vaiita revise ndozvanga zvauuya and they expected some good news. Ini nechemumoyo ndichingoti haa ndanyora marara. Ndakatotarisira Zero hangu.

Mapepa akapera kumakwa paakadzoka ,ndakaona pangu pakanzi 2% neka see me. To make matters worse mark yangu yakabva yadedzerwa mu classroom nemudzidzisi vanhu vese vakati bvu kuseka.

Ndakaita celebrity makuhwa akaiita kutenderera chikoro chess mukomana we 2%. Ndakaita kunge munhu achazvisungirira. Trunk ikaridzwa kuma hostels ndakuitwa kunge munhu arambwa nebhebhi.Anyway ndakazvishingisa hangu.

Dai vakandipa Zero havo nanhasi ndotoshaya kuti 2% idzodzo dzakabvepi, coz ndakangonyora kaa ma questions sezvaangari. Ndobva ndamaisa mu answer sheet hapana kana one chandanga ndapindura wani. Pamwe dzaiva 2 marks dze presentation.

Kwozoti kumba haa yakaita nyaya . Ndikatopedzisirwa ndaendeswa kuma extra lessons kana Tv handina kuiona term iyoyo.