Top 5 Yangu Mubhama 'Bvudzijena'

Top 5 Yangu Mubhama 'Bvudzijena'

Musikana wekuimba Ndyeke Tamy Moyo aramba kupera  adonhedza bhama nyowani rinonzi Bvudzijena. Pandakatanga kunzwa Ndyeke yake iyo ndakaidzokorodza kasingapere  yakandipinda mubhonzo voice rake mmm harina mascratch. Ndakatombofunga kuti pamwe haasi wemuno ma days acho ndakatozoona kuti eeh ndewemuno mu Zim. Anyway back to nyaya bhama iri randinetsa kugadzira Top 5 iri pazasi. Ma trck acho ese akunakidza.

1) Angila Ndaba aka kakandipinda mubhonzo kaipa kano feature Cal Vin na Nutty O. Haa combination yacho haina kumira zvakanaka inopisa. 

2) Rudo aka kakaipa katori pa repeat kano feature Souljah Love. Ndafara kunzwa voice raChibababa mufesi uyu anga ane chipo. Yaaa hanzi vanhu ngatipananei mazirudo.

3) Handigone aka kana munhu usina kusimba unogona kubuda shavi pane kangoma kanenge kachirohwa kakaipa.

4) Like Whatever kakaipa ka trk aka apa muimbi akanyatsoratidza simba revocal rake.  

5) Star In The Night aka kakaipa ka international stuff.

Vanoda kuzonzwa full bhama munoribata apa. Mosara muchiona vidz re Sare irimo mubhama futi.