Tudzaa Birthday speech:25 years of Ghettocracy

Tudzaa Birthday speech:25 years of Ghettocracy
Image by C B from Pixabay

Pamusoroyi mose.
Tiri munguva yemwedzi uno,mwedzi wekutanga kwegore, mwedzi weGaffa, ndinoda kukuzivisai kuti nhasi izuva rangu rekuberekwa. Zuva rakandikoshera nekuti ndiro zuva randakaumbwa. Zvinhu zvakaoma kuita celebrate your day in the middle of Gaffa discourses. Ndakuita sendinoda kubvisa vanhu paGhettocracy defense. Asi ndinoda kuvimbisa mose kuti zuva ranhasi harisi zuva rekuti ndibvute spotlight from our father. 

Chekutanga ndinoda kukumbira ruregerero nekuti ndichaita sendakudzorai kumashure asi makore matatu adarika anga akaoma. Vazhinji takasangana nezvakawanda. Vamwe nyama nemweya zvakaita social distancing hazvina kuzombodzoka. Asi ini ndakachengetwa nhasi ndiri pano ndaona rimwe bhavhadhe. Ndaona rimwe bhavhadhe ndiri mupenyu.

Hongu handisisiri zvandaiva vazhinji pamakandiziva. Vamwe voti akapera, vamwe voti akasakara asi ini ndinoti Chikuru kufema. Zvandakasangana nazvo muchazvionawo. Moto unozongodzima chete haurambe uchipisa. Vafana varikuzviona sevari kupisa ndinoti inguva yenyu, asi muchangoperawo. Kuchauya vamwe vachakunyeyai sezvamunondiita.

Asi kunyangwe zvakadaro ndine vanhu vandoda kutenda vanondida uye vamira neni kwemakore. Vanhu vaisandidira maretweets ,asi vaindida ndiri Tudzaa. Vanhu vainditengera lunch uye nanhasi vanonditengera lunch. Vanhu ava munozviziva uye makandikoshera sevabereki vangu. Vabereki vangu ndovatenda zvakare nekuti vakasarudza kuti ndiveko uye vakandichengeta nhasi ndakura.

Chikumbiro changu chimwechete,p amuchaimba song iye yekuti Happy birthday Tuyu munosiya part yekuti who is your girlfriend sezvamakaita gore rapfuura,nerapfuura paseri nerepaseri pacho. Asi munondiimbira next year chete sezvandakataura gore rapfuura,nerapfuura paseri.

Nhasi as i celebrate another year in the beginning of another year i would like to officially declare that im now another person. This is a new beginning. The old me is gone, that means old me asara nezvikwereti zvangu, im starting afresh. The new me will be different. This year 
Im focusing on me. Ndichange ndichienda kugym....kunoona kuti kunoitwa nezvei. Panotaurwa zvekuti who is the goat muchienzanisa Winky D na Jah Prayzah inin ndichasvika ndoti goat ndibaba Harare.

Naiwayo mazwi ndoda kukutendai. Ndakamirira Teambridge. Ndinoti ndatenda.