Bagga Anopisa

Bagga Anopisa
Pic by AMG Studios

Aka ndekekutanga kutaura nezva Bagga. Ndakangonzwa achitaurwa nezvake mumastreets. Ndikati regai ndimbo mu feeler. Ndakatoona kuti mukomana wacho anotogona kuflowa. Ane chi voice chakakorerera kunge chaShinsoman. Ndakatoona kuti ane mazi trcks hobho akaabura anopisa. Mazuva apfuura aya akadonhedza vhidhiyo nyowani retrck rake Gevha

Ndakasempla mamwe ma trcks Nhau Yangu, Kunta Kinte, 2022, Taikondoh, Jeso Kristu, Munamato Wangu. Yaa anoimba zviri unique zvine message hazvirwadze kunzwa. Tichaona kuti achabura zvipi zvinwe zvinyowani pamberi apa. Ma trcks ake ndiwo aye ekuti kana uchimanzwa munhu unotanga kugutsirira musoro anopisa mukomana. Vanoda kuona vhidhiyo rake nyowani munoribata apa