Musi Wandakatumirwa CV neMusikana Wemuraini Ndiri Grade 7

Musi Wandakatumirwa  CV  neMusikana Wemuraini Ndiri Grade 7

Raitova normal day ndatopedza kuona power rangers yangu hangu.Ndaiva mu good mood zuva iroro haa ndanga ndisiri kufunga zvakawanda wanda.

Then blaz yakadzoka kubva kuma works, ndobva yapinza mota paden chii chii closed the gate then ndobva adongorera mu letter box.Ndobva aona tsamba yanga irimo yanga iri address to Thulani yakaiswa twuma love love twanga twakanyorwa ne pen ye red so.

Ini ndaitova busy ne Tv ndobva ndaona vakuuya imba yese vachiti unomuziva here munhu atumira tsamba iyi .Ndobva ndati eeh handimuzive ini ndakutovhunza paye kuti itsamba yaniiko iyoyo zvikanzi iri addressed to you.

Yakatanga kuverengwa paya tsamba iya iii, ndakarohwa nehana ndikati ndeipiko yakuitika. Content yacho kaa zvichinzi hee "ndiwe wega mukomana wandinoda muraini muno, wakadzikama and unogona kugeza une vhudzi remumusoro rakanaka rine ma curls iii wakanaka Thulani and unogona kuchikoro."

Ndini uyo eeh wtf chii chikuitika pano ndika screamer ndichiti "handizvizive handimuzive musikana uyo." Ndakutya paya kuti nhasi haa ndinokwapaidzwa kunzi wakuita zvevasikana.Then mupfana wangu anga ari grade 3 ipapo ndobva atanga kuimba "tauya naye nemagumbeze muroora tauya naye muroora tauuya naye" haa anga akutondisimudzira mhepo haa vapfana ava kaa havasi bho.

Haa vanhu vepaden vakundipa ma funny looks paye.Haa ndakajamuka ndikati handei tinomuona musikana wacho munozvinzwira kuti ishuwa here haa ndobva vangoti tozozviona.

Week iroro rakapera ndichingotya then ndobva ndazonoita confront musikana uya. Ndakabaya kuden kwake ndobva ndamuti " ko ndeipiko iyi yawakandiitira" akuramba hee handizvizive haa akajamuka. Ne reaction yaiita zvairatidza kuti aindifarira chete.

But ma days iwayo ndanga ndakapusa zvekunyenga izvi zvanga zvisitombori mupfungwa dzangu.Ndini uyo back to school work ndobva ndanyora grade seven yangu ndikapasa.Pandakazobaya form 1 nyaya yacho haina kuzotaurwa futi but dai ndakafoira kaa ingadai iri daily bread.