From Gokwe To Glory 2

From Gokwe To Glory 2

Right, if you’ve read the first part, you’ll know that ndanga ndabva ku Gokwe ndakananga ku Freshmen party yaiitwa pa Senga apo. Ko party yacho yaisiri discriminatory kaa, everyone was allowed to enter on condition that kana uri mukomana une doro at least one bottle but for ladies it was free as long uri munhu asati ati kurei. The area was called Senga KMP, kune dzimba dzakanaka kupfuura dzese dzandaiziva muGokwe. Ndakasvika pa gate ndikawana pane two guys vanga vari muscular they told me kuti they were the bouncers ini aaaaa ko ndozvii ko izvozvo anyway since ndanga ndisina doro they turned me away. 

I walked back ndakasuwa suwa apa shungu dzekupinda dzadzanyanya coz ma ladies andaiona achiita entrance aasina kumbomira zvakanaka, MANNA FROM HEAVEN. “Ko Jahman, hindava kusuwa suwa soo, kasi marambidzwa kupinda?” aive Dereck room mate wangu wepa Harare apo. “Yaaa pakaipa mukomana, hanzi no hwahwa no entrance” ndakabva ndabvumira. Dereck akabva atanga kuseka hake, akandidhonzera kuseri kwe durawall and opened ka satchel kaaive nako kumusana. He took two empty Zambezi bottles ndobva aisa mvura about three quarters in each bottle, ndobva avhura Rashiyeni Bhiya raive sealed akazadzisa aya two before awedzera mvura mune Rashiyeni Bhiya.

“Ndozvatogara tichiita kana taenda kuma party na blaz vangu Tudzaa tiri pa Harare” akadero Dereck ini ndanga ndongo seka but mukati ndaitya zvisingaite, nyaya dzekujuta vanhu dzaindinetsa. “PaChitungwiza apo rimwe gore takamwisa vana supa yakasanganiswa ne lacto tikavati i new brand re Amarula” akadero achiseka hake Dereck. Kusaenda kuparty ndaida, but pane umwe mwanasikana wandanga ndaona anga akanaka hake, ndakabva ndapihwa one bottle rekubata tikabva tadzokera pa gate riya.

Ma bouncer achitiona haana zvaakaita, aingoti ndevamwe vapfana va joina party, takapinda tikawana imba yakazara kunge chitima cha Boss Wale mumastreets. “Hey hie, you finally came” chakadero chisikana chiya. Hana yakarova, maziso akabuda tumusodzi, nzeve dzikavhara, bvudzi rikamira, mhino ikabuda tudzihwa, dumbu rikarira, makumbo akabvunda, maoko aka stroker chero ne waist yakamboderera kwe two minutes. “hey hey hey hey hey hey…” ndaingodero senge chi robot chaita malfunction.

Mwana akazviona kuti haaa Jahman ava havana zvavanoziva sema newbies e Pinterest ndobva ka extenter handshake. “I’m Kimmy from Bulawayo, majoring in economics and you” kakadero kakatarisa mabvi angu aibvunda kunge munhu akutamba ma dance a Baba Harare. 
"Ayi emu Shaddy foromu Gokwe” ndakabva ndadero kaaa ne real Zimbabwean accent. Kamwana kakaseka “hahahaha, you’re really funny Shaddy, I like you.” Nhasi zvangu, mai vangu VHERONIKA iweeee, nhasi ndozviuraya manje.

Idzi dzaive pfungwa dzangu, ko tanga taudzwa ka kuti ku university kwadzinorohwa matumbu ndiko kwadzino mhanyira, ini Shadreck ndanga ndotoona ndakuvhairira Dereck nechi blaz chake chinonzi Tudzaa chaaigaro taura… TO BE CONTINUED… but seriously team rakaita freshmen party ku KMP muna 2018 nevakomana two Shaddy na Dereck makanwa mvura mukatodhakwa muchiti idoro, zviriko futi kkkkkk anyway TO BE CONTINUED.