MakD otsamwira chipo chinobva kuna Mwari nekuti hachisi chake

MakD otsamwira chipo chinobva kuna Mwari nekuti hachisi chake

MakD, uyu anozikanwa nembiri yake yenyambo, kusasvoda (shameless) pamwe nekutsigira Liverpool na Winky D pa X (yaimbove Twitter) achema zvinosiririsa.

Izvi zvauya mushure mekunge mudiwa waanoda iye asingamude ashambadzira pamasai sai kuti kwashiorkor yake yanyanya zvaita vakawanda vati pamuviri. “My kwashiorkor is getting worse” yakadero tsvarakedenga iya pa post yayo.

Tsvarakadenga iyi inofungidzirwa kuti yaikambirwa nembudzi yepamasai sai MakD zvekuti anga atone crush yakapfurikidzisa. Zvino nemakuhwa ari kufamba aya ekuti tsvarakadenga yakazvitakura, mbudzi yepamasai sai MakD yachema zvinosiririsa.

Mukomana akatombo luza appetite yechikafu pamwechete nekurwara nekuda kwemakuhwa kuhwa anga arikutenderera. Anyway tsvarakadenga yaakazoisa kanotice mumastreets ichiti haina pamuviri. Izvo zvakazoita kuti BP yemukomana idzikire.