Pandakatenga GD6 ne Chigunwe

Pandakatenga GD6 ne Chigunwe

Nhamo yayandisvuura kundisiya ndakashama se broiler raundurwa. Ndaive ndaonda nenhamo zvaisiririsa. Ma bby aitonditiza nenyaya ye nhamo I remember manje umwe musikana anonzi Keisha wandakamboudza kuti hande out. Akabva akwira ma kombi two ndobva atosvika mu town paya. Akabva atoenda neni ku park for hanging out. Ndakabva ndatenga ma ZUPCO ne Ka Mirinda. Not ZUPCO bus I know masalad matorasika. 

ZUPCO raive zipack remaputi riya raiita dollar. Ndakaona mwana achiita seachafa zvake nenyadzi. Akabva angotora Mirinda ndobva ati ndirikudzoka. It's been 6 months, 3 weeks, 6 days, 5 hours, 19 minutes and a few seconds since asati adzoka. But I wasn't planning on being a failure for long, I knew one day I would make it, I knew one day I'd shock everyone.

Mukana wakazouya ndaenda zvangu ku zwitter football kuya. Kwaive nema bby akawanda wanda. Madhafu, matete, matsvuku nematema, anemota neane zvigunwe zvakakwana. Ukuwo mafesi aive jahwi, kwaiti vanogerwa mazuda, box cut, neamwe aitove ma short cut kkkkkkkk. Semunhu anga asina mota kana mari ndini ndaive iceboy. 

Ndaitumwa kunotora ma ice mu cooler box neku sota mix ye Vodka. Kwakazoti kwasvibirira manje, ndakabva ndazosota zi heavy mix re Bacardi kuti ndipiwe twu change kaaa kana vana blaz vadhakwa. Ndakati zi heavy mix zhiiii ndobva ndaona Tu bby twese tuchibvisa ma wig twatsva ne Vodka. GD6 yevamwe blaz yakabva yatanga kurira 'Kujata jata' haaa ipapo ndipo pandakaona zvinotyisa. Hameno ndaive ndadhakwa here asi zvandakaona zvaive zvitsangamadzvedzve, makunakuna, zvitsvikidzvororo, zvimhedzashaya chaizvo.

Vamwe blaz vaive nezvigumwe three three mumakumbo ari two. Rimwe gumbo raive ne one chidiki diki chiya uku rimwe raive ne two, one chihombe ne one chepakati. But kuti ndibvunze zvaisaita because ndakabva ndanyara kuti vaizoti pfana wakufarisa. Anyways ndakabva ndaenda zvangu padhen. Ndichisvika padhen ndakawana blaz vaya vatoripo nezi GD6.

Moms yaitovapakurira sadza, mufushwa ne one piece ye Chicken yakachekwa ne standard yeku Chitungwiza ko padhen zvazvakaoma kaa. “Wauya mwanangu, pana mukoma ava vati vakanganwa phone yavo yavanga vakupa.” vakadero havo moms. Ndakabva ndatofara coz ndandatambura kuti ndodii nayo. “Haaa amai, ndangouya kuzotora line, phone yatove yake iyo” ndakavhunduka boys, ini kuita iPhone 13 max here. 

Ndandotozviona ndichibhadharisa vapfana vese ma dollar dollar mu ghetto. Line rakabviswa phone ikatoitwa factory reset paya, ndikatonzi iyo. Ndakabva ndato promiswa graft paya. Haaa zvekuti mukomana haacheme zviya ndezvenhema. Ndakabuda misodzi netudzihwa, shuwa iniwo hangu kungorangarirwa from no where, haaaa ndakachema boys. Vakabva vanditora vakandiudza secret yavo yekuita mari, hanzi kungobviswa one chigumwe through medical methods. Hanzi it was safe.

Haaa ini nhamo yayandiuraya so ndakabvuma hangu. Ndakaendeswa ku private clinic ndobva ndabaiwa injection yekuti ndirare paya. Ndakatanga kunzwa chigumwe chichirwadza bhichina. “Shaddy, iwe Shaddy, muka mhani, ko unochema urikuhope unopenga here. Apa pandapinda mu room mako wauchirumwa negonzo zvigunwe zvako, ndakakuudza kuti gadzirisa chikrimbani makonzo apere aya”

 Ndichisvinura kudai ndakaona Momz vakatobata gonzo rakatsemurwa musoro nema slippers. Ndakamhanya kutarisa kuti iPhone yaivepo here wanikwe ingori mobicel yangu yemazuva ese, ndakamhanya kutarisa kuti zvigunwe zvakakwana here. Wanikwe zvakakwana asi zvave pink nekurumwa rumwa negonzo. Ndakapukuta tumisodzi twuya twandaive ndaita kuhope ndikaridza ka tsamwa nechemumoyo.