Ongororo Ye Novacane EP Ra Drealnova

Ongororo Ye Novacane EP Ra Drealnova

Drealnova muimbi anobva pa Harare apa. Akabura EP rake rinonzi Novacane. Zviri pazasi apa ndo review yakaitwa nemunyori.

Trck 1  Cleopatra ka RnB like track aka kakaipa hapana choshoreka.l wonder kuti ndi Cleopatra upi airehwa apa tichamuziva hedu.

Trck 2  My Darling ka RnB Afro chii chii aka hakasi kurwadza kunzwa futi.Kanoita kuita ka ringtone kakaipa.

Trck 3 Lockdown aka munhu unongotanga kutamba wega hameno zvakari ka track aka.

Trck 4  Love Me Better  aka kakufamba zvinyoro nyoro .Vocal remuimbi rikuita richichinja chinja so romboita mm hazvitauriki akaipa mufesi uyu .

Trck 5 Kure Kwegava inonzwisa manyuku nyuku  apa muimbi achinyatsoimba neShona so achirova ma High nema low notes voice rake rakapenga.

Trck 6  Che Che Che apa paneka fusion karipo so Afro chii chii netwu RnB hakashoreke kari bho.

Ndaneta ini

Trck 7 Kongotsvoda aka bho futi handina zvakawanda zvekutaura pamusoro pako.

Trck 8 Good Times aka ka pure pure RnB kakaipa ndakutombonoka dzokorodza futi kkk kari addictive.

Trck 9 One In A Million apa pasangana ma shark riri bho .

Trck 10 Love & Pain ka Bonus RnB kaa aka hakashoreke.

In summary riri bho EP iri rine twu fusion fusion twema genres mukati International stuff.Lyrical content nema beats zvakagonekwa.Zvikafamba mushe rogona kuita number 1 pama charts makazara ma hit tracks.

Apa rato mu Apple Music top 20 yemuZim riri pa number 14.Panozopera week haa rinenge rapa number 1. 

Top 3 Trcks dzemunyori mu EP iri ndeaya.

1) Kure Kwegava

2) My Darling

3) Good Times

Vanoda kuzorinzwa munoribata pama sites ari pazasi apa.

Spotify: https://cutt.ly/XlUzNdz

Apple: https://cutt.ly/llUxux2

Youtube: https://cutt.ly/LlUxIk9

Vanenge vachizoda kuziva more about Drealnova munomubata pama socials ake Twitter , Facebook ne Instagram.

Hameno kuti vamwe mucharinzwawo sei..