Telecel Iya Yabura Mabhanduru Emayuwesi

Telecel Iya Yabura Mabhanduru Emayuwesi

Last time yandakataura nezve Telecel yaida kukwidza mutengo wemabhanduru. Nhasi ndadzoka zvakare vapakura zvimwe zvinyowani vane mabhanduru emayuwesi. Munhu ukabaya *480# unobva wasarudza option yekutanga ndoine mabhanduru emayuwesi. Ayo akapatsanurwa kuitwa maviri anoti edata ne evoice. Saka munhu unongosarudza kuti ukuda zvipi. 

Pamabhanduru evoice. Ndiri kuona pane maminitsi akati wandei zvinofadza kutarisa izvi. 50c inenge ichitenga makumi nematatu emaminitsi. Ukuwo 4 dhorazi ichitenga mazana matatu ane makumi maviri emaminitsi.

Topinda mudata apo dhora riri kutenga 1 gig re zuva rimwe. 15gig dzavo dziri kuita 12 dhorazi. Zvimwe zvasara mukungozvionera pamufananidzo uri pazasi apa.

Telecel yabura hayo zvinonakidza but ikufanirwa kugadzirisa panhau yemasai sai  ayo asimbe asangodzime dzime nekudzoka dzoka paanodira. Zvakuenderana nenzvimbo kumwe inonyatsobata bho kumwe hayi ma1. So ikangobhalanzisa masai sai ayo haa inokwara nema subscribers anenge aiita kudira. Airtime yemayuwesi iyi inenge ichiwanikwa kumashops e Telecel , madealer avo neku Hot Recharge.