Zvakaita ndifarire kumwa Masese. (FROM GOKWE TO GLORY 10 CROSSOVER STORY) REGISTER TO VOTE!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!

Zvakaita ndifarire kumwa Masese. (FROM GOKWE TO GLORY 10 CROSSOVER STORY) REGISTER TO VOTE!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!!

Do you ever ask yourself how it is possible kuti mufesi anoita bhebhi rakanaka zvisingaite iye ari tsuro yemu book zvayo. This was what happened to me, ndini ndaive tsuro yacho, to those who still don’t know me I am Shadreck mwana waPeter na Vheronika avo veku Gokwe but my friends call me shaddy. Ndakabva Gokwe where I had lived all my life ndakananga ku dhorobha to acquire my tertiary education.

Ndanga ndave pa attachment manje, and ndanga ndakupengeswa neumwe mwana aigara kuma dhewu dhewu ainzi Letty. Since ndaibva ku Gokwe munhu wese aifunga kuti kamwana aka ndakakasota nemushonga kuti kandide but neniwo ndaitoshaya kuti akaonei pandiri. Pakutanga ndakambofunga kuti maybe kakaona nhembe dzandaipfeka dziya dzandakapiwa na Dereck tichiri ma part 1 ku varsity.

Ndakamboti hu handsome hwangu but honestly dzimwe nguva ndaiiti ndikazvitarisa pamirror ndakarivara ndaigona kumbovhunduka. I remember rimwe gore ndakadhakwa pandaka zviseka ndatarisa mu mirror ndikaona mahobi. I knew what we had na Letty wouldn’t last because it was not meant to be, an abomination, a taboo zvinhu zvisingangoite kuti type dzana Letty dzimhanye nesuwo vana Shaddy Mwana wa Vheronika.

Weekend yanga yasvika and it was month end saka taida kumbobvisa twu stress tweku graft. As usual takatanga taenda kuma bhawa edu emumakona aya anomwira mahwindi, takabva tarova hedu masese edu tiri three. Ma suppa aizoregwa kana vanhu vati taguta not kuti tadhakwa. From there takabva taenda kuzvi club zviya zviri fancy fancy kwataizono sangana nana Letty. 

Ko ipapo tanga tine twumari kaa, since last time tanga tambotengerwa taidawo kumbo return favour.
Takabva tatenga tudoro twodiwa nema bby tuya ndobva tatanga hedu kunakidzwa. To be honest taitoda hedu kuridzirwa Sungura kana zim dancehall asi since raive bhawa rekuma dhewu dhewu saka taingoridzirwa tuma song tuya twekuti tukaridza mukombi unonzwa vabereki vopopota.

Taive very economic saka manje tairova ma suppa ma bby achirova ma cider ari light light. Takazoti tose takadhakwa pakabva parira ka song kaya ka Ed Sheeran Kanonzi perfect. Ma couple ose mubhawa akabva atanga kutamba zviya zvemu movie iya yavanoti slow dance, ko isu hedu vana shaddy taimboiziva here. Letty akabva andinyengetedza ndobva tatanga kutamba paya, pa next pedu paive ne couple yaitokisana ndobva ndaona Letty atsinzina maziso drawing close to me.

AAAA ini ndakangoti hameno ndobva ndatotsinzinawo paya ndichigutsirira. Ndakanzwa achifemera pamusoro ndikaona onyara onyara, ini ndakatoshaya kuti aitwa sei. “Shaddy, kiss me” akabva adero hake mwanasikana zvinyoro nyoro. Ko kukisa kwacho taimbogona here, ndakabva ndaisa ma lips angu pane ake ndobva ndato tanga hangu kumufuridza paya. Mwana akabva anditarisa zviya zvekushamisika, “That’s not a kiss Shaddy, THIS is  a kiss” akadero achiisa rurimi rake mumuromo mangu. 

Pakutanga ndakangoti haiwa saka ndiyo kiss yacho iyoyo inga hapana zviripo wani asi pasina chinguva ndakanzwa sendinotsva muviri wese. Mwana aitsvoda hake iyeye, dai kusiri kuti platform inoyi inondirambidza kutaura zvinonyadza ndingadei ndanyatso kukutsanangurirai zvandakanzwa mumuviri wangu asi sevanhu vane pfungwa I’ll leave your imagination to do the rest.

Anyways ndakabva nda responder paya ndikamukisawo, after that kiss ndakaona mwana akabva anditarisa, akabva atanga kusvisvina masese achimapfira pasi zvishoma nezvishoma, “I love you Shadreck Jendera” akabva adero hake. Ipapo ndakabva ndanzwa kudziirwa padama rangu. “Shady, Shady, Shady muka waonekwa na Lecturer shaa muka unopinda busy.”

Vakabva vadero desky vangu, class yese yaingoseka, lecturer hameno zvaanga akusasa but it seems aitondi disser coz class yese yaive yakanditarisa ichitoseka. In the midst of it all ndairwadziwa, it was all a dream, Letty was nothing but a fragment of my imagination, ndakarwadziwa kuti dzaingove hope. “Iwe Shadreck, unofunga kuti ku Gokwe here kuno kwamunorara maskati coz manheru memuchitya varoyi, its either you participate or you leave my class now”

Vakabva vadero havo lecturer. I apologized and checked my phone there were many missed calls from Kim my friend with benefits, the year was still 2018, I was a freshman and a registered voter, ini hangu shady mwana wavheronika akakurira kuGokwe.

From Gokwe To Glory 1 

From Gokwe To Glory 2 

From Gokwe To Glory 3

From Gokwe To Glory 4

From Gokwe To Glory 5

From Gokwe To Glory 6 

From Gokwe To Glory 7 

From Gokwe To Glory 8 

From Gokwe To Glory 9